Psalms 29

Pisarema raDhavhidhi.

1Ipai kuna Jehovha, imi mune simba
ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.
2Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;
namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

3Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.
Mwari wokubwinya anotinhira,
Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.
4Inzwi raJehovha rine simba;
inzwi raJehovha rinokudzwa.
5Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,
Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.
6Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,
neSirioni senzombe yenyati.
7Inzwi raJehovha rinorova
nokuvaima kwemheni.
8Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;
Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.
9Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki
uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.
Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”

10Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;
Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.
11Jehovha anopa simba kuvanhu vake;
Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.
Copyright information for SnaBDSC